1 Peter 4:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana muciɀidzwa nokuɗa kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti Mŋeya wokubginya waMŋari ugere pamsoro penyu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana muchitukwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti mweya wokubwinya nowaMwari unogara pamuri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana mukanyombwa pamusana pezita raKristu makakomborerwa nokuti Mweya wembiri, Mweya waMwari ari pamuri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana muchizvidzwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti Mweya wokubwinya waMwari ugere pamusoro penyu;
Shona 2009?
Kana muchizvidzwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti Mweya wokubwinya waMwari ugere pamusoro penyu; kwavari pakati pavo unotaurirwa zvakaipa asi pakati penyu unokudzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Kana muchizvidzwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti Mweya wokubwinya waMwari ugere pamusoro penyu;