1 Peter 4:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ŋguʋa yakapfuʋura yakariŋgana kuita kuɗa kwaʋahedeni, nokufamba noʋutere, nokuciʋa, nokunwa waini, nokutamba kwakaipa, namaɓira, nokunamata ɀifananidzo ɀisakafanira;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti nguva yakapfuura yakaringana kare yamakapedza muchiita kuda kwavahedheni yamairarama muutere, kuchiva, kudhakwa, kutamba kwakaipa, kuraradza nokunamata zvifananidzo zvinonyangadza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chiregai nguva yakapfuura ichiva yakakwana yokuita zvinodiwa nevechirudzi zvinoti unzenza, kutevera havi dzomuviri, nokuraradza nokusazvibata kwavararadzi nokutamba kwakaipa nokunamata zvisiri Mwari kwakafumuka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti nguva yakapfuura yakaringana kuita kuda kwavahedheni, nokufamba noutere, nokuchiva, nokunwa waini, nokutamba kwakaipa, namabira, nokunamata zvifananidzo zvisakafanira;
Shona 2009?
Nokuti nguva yakapfuvura yakaringana kuita kuda kwavahedheni, nokufamba novutere, nokuchiva, nokumwa waini, nokutamba kwakaipa, namabira, nokunamata zvifananidzo zvisakafanira;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti nguva yakapfuura yakaringana kuita kuda kwavahedheni, nokufamba noutere, nokuchiva, nokunwa waini, nokutamba kwakaipa, namabira, nokunamata zvifananidzo zvisakafanira;