1 Peter 5:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mŋari wenyasha dzose, iye wakakuɗanirai kukubginya kwake kusiŋgaperi munaKristu, kana mambotambudzika kaŋguʋa kaɗuku, ucakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Mwari wenyasha dzose, akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, mushure mokumbotambudzika kwechinguva chiduku, achakuponesai uye achakusimbisai, agokumisai zvakasimba uye agokutsigisai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure mokunge mambotambudzika kwechinguva, Mwari wenyasha dzose, iye akakudaidzai kumbiri yake isingaperi muna Kristu, iye pachake achakudzorerai kuva zvamunofanira kunge muri, mudzike midzi, achikusimbisai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mwari wenyasha dzose, iye akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, kana mambotambudzika kanguva kaduku, achakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai.
Shona 2009?
Zvino Mwari wenyasha dzose, iye wakakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi munaJesu Kristu, kana mambotambudzika kanguva kaduku, uchakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mwari wenyasha dzose, iye akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, kana mambotambudzika kanguva kaduku, achakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai.