1 Samuel 1:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Hana wakaŋga acitaura necomumŋoyo make, miromo yake yoga yakaŋga icimeŋenyedzwa, asi inzwi rake rakaŋga risiŋganzwiki; saka Eri wakati waɓatwa newaini.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hana akanga achinamata mumwoyo make uye miromo yake yakanga ichifamba asi inzwi rake rakanga risinganzwiki. Eri akafunga kuti akanga akadhakwa
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hana akanga achinamata nechomumwoyo, miromo yake ndiyo chete yaaimengenyedza, izwi rake risinganzwiki, nezvo Eri akabva afunga kuti Hana araradza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Hana wakanga achitaura nechomumwoyo make, miromo yake yoga yakanga ichimenyenyedzwa, asi izwi rake rakanga risinganzwiki; saka Eri wakati wabatwa newaini.
Shona 2009?
Nokuti Hana wakanga achitaura nechomumoyo make, miromo yake yoga yakanga ichimenyenyedzwa, asi inzwi rake rakanga risinganzwiki; saka Eri wakati wabatwa newaini.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Hana wakanga achitaura nechomumwoyo make, miromo yake yoga yakanga ichimenyenyedzwa, asi izwi rake rakanga risinganzwiki; saka Eri wakati wabatwa newaini.