1 Samuel 1:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakamuka maŋgwanani, ʋakanamata kunaJehova, ʋakadzokera ndokuȿika kumba kwaʋo paRama; Erikana akaziʋa mukadzi wake Hana, Jehova akamuraŋgarira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mangwanani omusi waitevera vakamuka vakanamata pamberi paJehovha vakadzokera kumusha kwavo kuRama. Erikana akasangana naHana mukadzi wake, Jehovha akamurangarira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akafumomuka mangwanani akanamata ari pana Tenzi, ndokuzodzokera zvake kumusha kwake kuRama. Erikana akazogara nomudzimai wake Hana, Tenzi ndokubva ayeuka Hana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakamuka mangwanani, vakanamata kuna Jehovha, vakadzokera ndokusvika kumba kwavo paRama; Erikana akaziva mukadzi wake Hana, Jehovha akamurangarira.
Shona 2009?
Zvino vakamuka mangwanani, vakanamata kuna Jehovha, vakadzokera ndokusvika kumba kwavo paRama; Erikana akaziva mukadzi wake Hana, Jehovha akamurangarira.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakamuka mangwanani, vakanamata kuna Jehovha, vakadzokera ndokusvika kumba kwavo paRama; Erikana akaziva mukadzi wake Hana, Jehovha akamurangarira.