1 Samuel 1:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Hana haana‐kukwira, nokuti wakati kumurume wake: Handiŋgakwiri kuȿikira mŋana arumurwa, ipapo ndicaenda naye, kuti aȿike pamberi paJehova, agare’po nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hana haana kuenda. Akati kumurume wake, “Mushure mokunge mukomana uyu ndamurumura, ndichamutora ndigomupa kuna Jehovha, uye achagara ikoko nguva dzose.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Hana haana kukwirawo ikoko nokuti akanga ati kumurume wake, “Mwana uyu akange angorumurwa ndichaenda nayeko kuti anovawo pana Tenzi, agareko narini wose.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Hana haana kukwira, nokuti wakati kumurume wake, “Handingakwiri kusvikira mwana arumurwa, ipapo ndichaenda naye, kuti asvike pamberi paJehovha, agarepo nokusingaperi.”
Shona 2009?
Asi Hana haana kukwira, nokuti wakati kumurume wake, "Handingakwiri kusvikira mwana arumurwa, ipapo ndichaenda naye, kuti asvike pamberi paJehovha, agarepo nokusingaperi. "
Shona SUB 2002 Bible
Asi Hana haana kukwira, nokuti wakati kumurume wake, “Handingakwiri kusvikira mwana arumurwa, ipapo ndichaenda naye, kuti asvike pamberi paJehovha, agarepo nokusingaperi.”