1 Samuel 1:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino muʋeŋgi wake akamunetsa kwaɀo, kuti aɀidye mŋoyo, nokuti Jehova wakazarira ciɀaro cake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino nokuti Jehovha akanga azarira chibereko chake, muvengi wake Penina akaramba achingomudenha kuti amutsamwise.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uyewo mukadzin'ina wake aimudadira kwazvo kumusvotesa nokuti Tenzi akanga asina kumupa mbereko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino muvengi wake Penina akamunetsa kwazvo, kuti azvidye mwoyo, nokuti Jehovha wakazarira chizvaro chake.
Shona 2009?
Zvino muvengi wake Penina akamunetsa kwazvo, kuti azvidye moyo, nokuti Jehovha wakazarira chizvaro chake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino muvengi wake Penina akamunetsa kwazvo, kuti azvidye mwoyo, nokuti Jehovha akazarira chizvaro chake.