1 Samuel 1:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino murume wake Erikana akati kwaari: Hana, unocemeiko? Unorambireiko kudya? Mŋoyo wako uneshuŋgu nei? Ko ini handikupfuʋuriri ʋanakomana ʋanegumi here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murume wake Erikana aibva ati kwaari, “Hana, uri kuchemei? Sei usingadyi? Wakasuwa neiko? Handikoshi here kwauri kudarika vanakomana gumi?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Murume wake Erikana akamuti, “Nhai Hana, unochemeiko? Uri kurambirei chokudya? Washaiswa neiko rufaro mumwoyo? Kwauri handiti ndinotokunda gumi ravana vakomana?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino murume wake Erikana akati kwaari, “Hana, unochemeiko? Unorambireiko kudya? Mwoyo wako une shungu nei? Ko ini handikupfuuriri vanakomana vane gumi here?”
Shona 2009?
Zvino murume wake Erikana akati kwaari, "Hana, unochemeiko? Unorambireiko kudya? moyo wako une shungu nei? Ko ini handikupfuuriri vanakomana vane gumi here?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino murume wake Erikana akati kwaari, “Hana, unochemeiko? Unorambireiko kudya? Mwoyo wako une shungu nei? Ko ini handikupfuuriri vanakomana vane gumi here?”