1 Samuel 1:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka Hana wakasimuka, ʋapedza kudya paShiro, ʋuye ʋapedza kunwa. Ɀino Eri muprista wakaŋga agere pacigaro cake pamukoʋa wetembere yaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vachangopedza kudya nokunwa muShiro, Hana akasimuka. Zvino Eri muprista akanga akagara pachigaro pamukova wetemberi yaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti apedza kudya nokunwa ari kuShiro ikoko, Hana akasimuka zvake, izvozvo mupristi Eri akanga agere pachigaro pedyo nebango rapamusuo weTemberi yaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka Hana wakasimuka, vapedza kudya paShiro, uye vapedza kunwa. Zvino Eri mupristi wakanga agere pachigaro chake pamukova wetemberi yaJehovha.
Shona 2009?
Saka Hana wakasimuka, vapedza kudya paShiro, uye vapedza kumwa. Zvino Eri muprista wakanga agere pachigaro chake pamukova wetemberi yaJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Saka Hana wakasimuka, vapedza kudya paShiro, uye vapedza kunwa. Zvino Eri mupristi wakanga agere pachigaro chake pamukova wetemberi yaJehovha.