1 Samuel 10:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi nhasi maramba Mŋari wenyu, iye unokuponesai amene panjodzi dzenyu dzose nenhamo dzenyu, mukati kwaari: Kwete, asi tigadzire mambo uŋgatiɓata. Naiɀoɀo ɀino ʋuŋganai pamberi paJehova namarudzi enyu ʋuye neɀuru ɀenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi iye zvino maramba Mwari wenyu, anokuponesai panjodzi dzenyu nenhamo dzenyu. Uye makati, ‘Kwete, isai mambo pamusoro pedu.’ Saka zvino chiuyai pamberi paJehovha muri mumarudzi enyu nedzimba dzenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi imi nhasi uno maramba Mwari wenyu anokununurai munjodzi dzenyu nomunhamo dzenyu dzose. Asi imi mati, ‘Kwete, itotigadzirai mambo wokutitonga!’ Saka zvino chiuyai pana Tenzi muri dzinza nedzinza, imba nemba.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi nhasi maramba Mwari wenyu, iye unokuponesai amene panjodzi dzenyu dzose nenhamo dzenyu,’ mukati kwaari, ‘Kwete, asi tigadzire mambo ungatibata.’ Naizvozvo zvino unganai pamberi paJehovha namarudzi enyu uye nezviuru zvenyu.”
Shona 2009?
asi nhasi maramba Mwari wenyu, iye unokuponesai amene panjodzi dzenyu dzose nenhamo dzenyu,' mukati kwaari, `Kwete, asi tigadzire mambo ungatibata.' Naizvozvo zvino unganai pamberi paJehovha namarudzi enyu uye nezviuru zvenyu."
Shona SUB 2002 Bible
asi nhasi maramba Mwari wenyu, iye unokuponesai amene panjodzi dzenyu dzose nenhamo dzenyu,’ mukati kwaari, ‘Kwete, asi tigadzire mambo ungatibata.’ Naizvozvo zvino unganai pamberi paJehovha namarudzi enyu uye nezviuru zvenyu.”