1 Samuel 10:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ukabva kwandiri nhasi, ucandowana ʋarume ʋaʋiri parinda raRakeri, pamuganho waBenjamini, paZerza; iʋo ʋacati kwauri: Mboŋgoro dzawakaŋga ucitȿaka dzawanikwa; ɀino tarira, ɓaɓa ʋako haʋacinehanya nemboŋgoro, asi ʋofuŋganya pamsoro pako, ʋaciti: Ndicaita seiko pamsoro pomŋanakomana waŋgu?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pauchabva pandiri nhasi, uchasangana navarume vaviri pedyo neguva raRakeri, paZeriza pamuganhu waBhenjamini. Vachati kwauri, ‘Mbongoro dzawakaenda kundotsvaga dzakawanikwa. Zvino baba vako havachafungi nezvadzo asi vava kufunganya pamusoro pako. Vava kungobvunza vachiti, “Ndichaiteiko nezvomwanakomana wangu?”’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
paunobva pano pandiri iye nhasi uno uchandosangana navarume vaviri pedyo neguva raRakeri kumuganho wenyika yokwaBhenjamini kuZeriza vachakutaurira kuti, ‘Madhongi awakanga uchitsvaka akawanikwa.’ Asi zvino baba vako havasisiri kunetseka nezvemadhongi vava kutotambudzika mumwoyo pamusoro pako vachiti, ‘Ndoita waaniko nezvemwana wangu?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana ukabva kwandiri nhasi uchandowana varume vaviri parinda raRakeri, pamuganho waBhenjamini, paZeriza; ivo vachati kwauri, ‘Mbongoro dzawakanga uchitsvaka dzawanikwa; zvino, baba vako havachine hanya nembongoro, asi vofunganya pamusoro pako,’ vachiti ‘Ndichaita seiko pamusoro pomwanakomana wangu?’
Shona 2009?
"Kana ukabva kwandiri nhasi uchandowana varume vaviri parinda raRakeri, pamuganhu waBhenjamini, paZeriza; ivo vachati kwauri, `Mbongoro dzawakanga uchitsvaka dzawanikwa; zvino, baba vako havachine hanya nembongoro, asi vofunganya pamusoro pako,' vachiti `Ndichaita seiko pamusoro pomwanakomana wangu?'
Shona SUB 2002 Bible
“Kana ukabva kwandiri nhasi uchandowana varume vaviri parinda raRacheri, pamuganho waBhenjamini, paZeriza; ivo vachati kwauri, ‘Mbongoro dzawakanga uchitsvaka dzawanikwa; zvino, baba vako havachine hanya nembongoro, asi vofunganya pamusoro pako,’ vachiti ‘Ndichaita seiko pamusoro pomwanakomana wangu?’