1 Samuel 10:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Samueri akaʋudza ʋanhu tsika dzoʋushe, akadzinyora mubuku, akaɀiceŋgeta pamberi paJehova. Samueri akaendisa ʋanhu ʋose mumŋe nomumŋe kumba kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Samueri akatsanangurira vanhu mitemo youmambo uhu. Akainyora pasi mubhuku akariisa pamberi paJehovha. Ipapo Samueri akaudza vanhu kuti vaende mumwe nomumwe kumba kwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Samueri akataurira vanhu mitemo inofanira kutevedzwa munyika inenge ichitongwa namambo. Akanyora bumbiro remitemo iyoyi akandoisa bhuku racho pana Tenzi. Samueri akati vanhu vose vachienda zvavo kumisha yavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Samueri akaudza vanhu tsika dzoushe, akadzinyora mubhuku, akazvichengeta pamberi paJehovha. Samueri akaendisa vanhu vose mumwe nomumwe kumba kwake.
Shona 2009?
Zvino Samueri akaudza vanhu tsika dzoushe, akadzinyora mubhuku, akazvichengeta pamberi paJehovha. Samueri akaendisa vanhu vose mumwe nomumwe kumba kwake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Samueri akaudza vanhu tsika dzoushe, akadzinyora mubhuku, akazvichengeta pamberi paJehovha. Samueri akaendisa vanhu vose mumwe nomumwe kumba kwake.