1 Samuel 10:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
NaSauro ʋo wakaenda kumba kwake paGibea, ʋuye ʋarume ʋose ʋoʋumhare ʋakaŋga ʋaɓayiwa mŋoyo yaʋo naMŋari ʋakaenda ʋo naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sauro akaendawo kumba kwake kuGibhea, achiperekedzwa navarume voumhare vane mweya yakanga yabatwa naMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro akaendawo kumusha kwake kuGibhea. Akaendawo navamwe varume, mvumba chaidzo dzokurwa vakanga vabatwa mwoyo naMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
NaSaurowo wakaenda kumba kwake paGibhea, uye varume vose voumhare vakanga vabayiwa mwoyo yavo naMwari vakaendawo naye.
Shona 2009?
NaSaurowo wakaenda kumba kwake paGibhiya, uye varume vose voumhare vakanga vabayiwa moyo yavo naMwari vakaendawo naye.
Shona SUB 2002 Bible
NaSaurowo wakaenda kumba kwake paGibhia, uye varume vose voumhare vakanga vabayiwa mwoyo yavo naMwari vakaendawo naye.