1 Samuel 10:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋamŋe ʋakaiȿo‐ipa ʋakati: Munhu uyu uŋgatiponesa seiko? Ʋakamushoʋora, ʋakasamuʋigira ɀipo. Asi iye wakaramba anyerere hake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi dzimwe nhubu dzakati, “Murume uyu angatiponesa sei?” Vakamuzvidza vakasamuvigira zvipo. Asi Sauro akaramba anyerere.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vamwewo vanhu vasina namaturo ese vakati, “Munoti iyeyu akadai ndiye angatiponese iyeyu?” Vakamushora vakarega kumupa zvipo. Asi Sauro haana zvake zvaakataura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vamwe vakaisvoipa vakati, “Munhu uyu ungatiponesa seiko?” Vakamushora, vakasamuvigira zvipo. Asi iye wakaramba anyerere hake.
Shona 2009?
Asi vamwe vakaisvoipa vakati, "Munhu uyu ungatiponesa seiko?" Vakamushora, vakasamuvigira zvipo. Asi iye wakaramba anyerere hake.
Shona SUB 2002 Bible
Asi vamwe vakaisvoipa vakati, “Munhu uyu ungatiponesa seiko?” Vakamushora, vakasamuvigira zvipo. Asi iye wakaramba anyerere hake.