1 Samuel 10:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ucabva’po ukapfuʋura mberi, ukaȿika pamuouki weTabori; ipapo ucasoŋgana naʋarume ʋatatu ʋanokwira kunaMŋari paBeti‐eri, mumŋe akatakura mbudzana nhatu, mumŋe akatakura mapundu matatu eɀiŋgwa, ʋuye mumŋe akatakura ɗende rewaini;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo uchapfuurira mberi kubva ipapo kusvikira wasvika pamuti mukuru weTabhori. Varume vatatu vanenge vachienda kuna Mwari kuBheteri vachasangana newe ipapo. Mumwe achange akatakura mbudzana nhatu, mumwe marofu matatu echingwa, uye mumwe dende rewaini.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana wabva ipapo uchienda mberi uchasvika napamuoku wokuTabheri. Ipapo uchasangana navarume vatatu vanenge vachienda kuna Mwari kuBhetieri. Mumwe achange akatakura mbudzana nhatu, mumwe akatakura zvingwa zvitatu, mumwewo achange akatakura chigubhu chematehwe chewaini.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino uchabvapo ukapfuura mberi, ukasvika pamuouki weTabhori; ipapo uchasangana navarume vatatu vanokwira kuna Mwari paBhetieri, mumwe akatakura mbudzana nhatu, mumwe akatakura mapundu matatu ezvingwa, uye mumwe akatakura dende rewaini;
Shona 2009?
Zvino uchabvapo ukapfuura mberi, ukasvika pamuouki weTabhori; ipapo uchasangana navarume vatatu vanokwira kuna Mwari paBhetieri, mumwe akatakura mbudzana nhatu, mumwe akatakura mapundu matatu ezvingwa, uye mumwe akatakura dende rewaini;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino uchabvapo ukapfuura mberi, ukasvika pamuouki weTabhoru; ipapo uchasangana navarume vatatu vanokwira kuna Mwari paBhetieri, mumwe akatakura mbudzana nhatu, mumwe akatakura mapundu matatu ezvingwa, uye mumwe akatakura dende rewaini;