1 Samuel 10:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pashure ucaȿika pagomo raMŋari, paneɓoka raʋarwi raʋaFiristia; ɀino kana uciȿika paguta, ucasoŋgana neɓoka raʋaprofita ʋanoɓuruka paɗunhu rakakwirira ʋakatuŋgamirirwa nemiteŋgeranwa, neŋgoma, nenyere, nembira, ʋaciŋgoprofita;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mushure maizvozvo uchaenda kuGomo raMwari, kune boka ravarwi vavaFiristia. Pamunenge mava kusvika kuguta iri, muchasangana nedungwe ravaprofita vachidzika kubva kunzvimbo yakakwirira, mitengeranwa, tambureni, nenyere nembira, zvichiridzwa mberi kwavo, uye vanenge vachiprofita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uchazosvikawo kugomo rinonzi Gibheatierohimu ikoko kune kachikwata kavarwi vechiFirisitia. Wava kupinda muguta iroro uchasangana nedungwerungwe ravaporofita vachiburuka kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira vachitungamirirwa navanhu vanenge vachiridza madimbwa nengoma nenyere nezvipendani, vachiporofita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pashure uchasvika pagomo raMwari pane boka ravarwi ravaFirisitia; zvino kana uchisvika paguta, uchasangana neboka ravaporofita vanoburuka padunhu rakakwirira vakatungamirirwa nemitengeranwa, nengoma, nenyere, nembira, vachingoporofita;
Shona 2009?
Pashure uchasvika pagomo raMwari pane boka ravarwi ravaFirisitia; zvino kana uchisvika paguta, uchasangana neboka ravaporofita vanoburuka padunhu rakakwirira vakatungamirirwa nemitengeramwa, nengoma, nenyere, nembira, vachingoporofita;
Shona SUB 2002 Bible
Pashure uchasvika pagomo raMwari pane boka ravarwi ravaFirisitia; zvino kana uchisvika paguta, uchasangana neboka ravaporofita vanoburuka padunhu rakakwirira vakatungamirirwa nemitengeranwa, nengoma, nenyere, nembira, vachingoporofita.