1 Samuel 11:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋose ʋakaenda Girgari, ʋakagadza Sauro aʋe mambo waʋo pamberi paJehova paGirgari, ʋakaɓayira’po ɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa pamberi paJehova; Sauro naʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakafara kwaɀo ipapo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka vanhu vose vakaenda kuGirigari vakasimbisa Sauro samambo pamberi paJehovha. Ipapo vakabayira zvipo zvokuwadzana pamberi paJehovha, uye Sauro navaIsraeri vose vakava nokupemberera kukuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka vanhu vose vakaenda kuGirigari vakagadza Sauro pachigaro chake choumambo pana Tenzi kuGirigariko. Vakapira mipiro yokuwadzana vari ikoko pana Tenzi, Sauro navaIsiraeri vose vakaita mabiko vakapembera vachifara zvikuru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vose vakaenda Girigari, vakagadza Sauro ave mambo wavo pamberi paJehovha paGirigari, vakabayirapo zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha; Sauro navarume vose vaIsiraeri vakafara kwazvo ipapo.
Shona 2009?
Vanhu vose vakaenda Girigari, vakagadza Sauro ave mambo wavo pamberi paJehovha paGirigari, vakabayirapo zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha; Sauro navarume vose vaIsiraeri vakafara kwazvo ipapo.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vose vakaenda Girigari, vakagadza Sauro ave mambo wavo pamberi paJehovha paGirigari, vakabayirapo zvibairo zvezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha; Sauro navarume vose VaIsiraeri vakafara kwazvo ipapo.