1 Samuel 11:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akatora nzombe mbiri, akadziguranya, ndokutuma nhindi idzo kunyika yose yaIsraeri namaʋoko enhume, akati: Aninani unoramba kuɓuɗa nokuteʋera Sauro naSamueri, ucaitirwa nzombe dzake saiɀoɀo. Ɀino kutya, kwakabva kunaJehova, kwakaɓata ʋanhu, ʋakaɓuɗa ʋose‐ʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatora hando mbiri, akadzicheka-cheka, akatumidzira zvidimbu izvi nenhume muIsraeri yose, namashoko okuti, “Izvi ndizvo zvichaitwa kuhando dzaani naani asingateveri Sauro naSamueri.” Ipapo kutya kwaMwari kwakawira pamusoro pavanhu, uye vakauya somunhu mumwe chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akabaya nzombe mbiri ndokudzicheka-cheka, ndokutumira nhindi dzenyama nenhume munyika yose yeIsiraeri achiti, “Izvi ndizvo zvichaitwa nzombe yomunhu wose anenge asina kubuda naSauro naSamueri!” Vanhu vakatya Tenzi vakabuda vose pamwechete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatora nzombe mbiri, akadziguranya ndokutuma nhindi idzo kunyika yose yaIsiraeri namaoko enhume, akati, “Ani nani unoramba kubuda nokutevera Sauro naSamueri, uchaitirwa nzombe dzake saizvozvo.” Zvino kutya, kwakabva kuna Jehovha, kwakabata vanhu, vakabuda vose‐vose.
Shona 2009?
Akatora nzombe mbiri, akadziguranya ndokutuma nhindi idzo kunyika yose yaIsiraeri namaoko enhume, akati, "Ani nani unoramba kubuda nokutevera Sauro naSamueri, uchaitirwa nzombe dzake saizvozvo." Zvino kutya, kwakabva kuna Jehovha, kwakabata vanhu, vakabuda vose-vose.
Shona SUB 2002 Bible
Akatora nzombe mbiri, akadziguranya ndokutuma nhindi idzo kunyika yose yaIsiraeri namaoko enhume, akati, “Ani nani unoramba kubuda nokutevera Sauro naSamueri, uchaitirwa nzombe dzake saizvozvo.” Zvino kutya, kwakabva kuna Jehovha, kwakabata vanhu, vakabuda vose–vose.