1 Samuel 11:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati kunhume dzakaʋuya: Ʋudzai ʋarume ʋeJabeshi‐gireadi, muti: Maŋgwana kana zuʋa ropisa, mucarwirwa. Nhume dzikaenda, dzikaʋudza ʋarume ʋeJabeshi, iʋo ʋakafara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakaudza nhume dzakanga dzauya kuti, “Muti kuvarume veJabheshi Gireadhi, ‘Mangwana kana zuva ropisa muchanunurwa.’ ” Nhume padzakaenda dzikandotaura izvi kuvarume veJabheshi, vakafara kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakaudza nhume dziya dzokutumwa dziya kuti, “Munondoti kuvarume vokuJabheshigireadhi, ‘Mangwana, panguva yorudziyakamwe muchange matonunurwa.’ ” Nhume idzi padzakasvikotaurira varume vokuJabheshi izvozvi vakafara kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati kunhume dzakauya, “Udzai varume veJabheshigireadi, muti, ‘Mangwana kana zuva ropisa, mucharwirwa.’ ” Nhume dzikaenda, dzikaudza varume veJabheshi, ivo vakafara.
Shona 2009?
Vakati kunhume dzakauya, "Udzai varume veJabheshigiriyadi, muti, `Mangwana kana zuva ropisa, mucharwirwa.' " Nhume dzikaenda, dzikaudza varume veJabheshi, ivo vakafara.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati kunhume dzakauya, “Udzai varume veJabheshi-gireyadhi, muti, ‘Mangwana kana zuva ropisa, mucharwirwa.’ ” Nhume dzikaenda, dzikaudza varume veJabheshi, ivo vakafara.