1 Samuel 12:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana mukatya Jehova, mukamushumira, mukaterera inzwi rake, mukasaramba murairo waJehova, mukateʋera Jehova Mŋari wenyu, imi naiye mambo unokuɓatai, mucafara henyu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana mukatya Jehovha uye mukamushandira nokumuteerera uye mukasamukira mirayiro yake, uye kana imi namambo anotonga pamusoro penyu mukatevera Jehovha Mwari wenyu, zvichava zvakanaka!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana mukatya Tenzi muchimunamata nokumuteerera musingarambe kuchengeta mitemo yaTenzi, kana imi mose namambo anokutongai mukati kwati naTenzi Mwari wenyu, zvichakunakirai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana mukatya Jehovha, mukamushumira, mukateerera izwi rake, mukasaramba murayiro waJehovha, mukatevera Jehovha Mwari wenyu, imi naiye mambo anokutongai, muchafara henyu;
Shona 2009?
Kana mukatya Jehovha, mukamushumira, mukateerera inzwi rake, mukasaramba murayiro waJehovha, mukatevera Jehovha Mwari wenyu, imwi naiye mambo anokutongai, muchafara henyu;
Shona SUB 2002 Bible
Kana mukatya Jehovha, mukamushumira, mukateerera izwi rake, mukasaramba murairo waJehovha, mukatevera Jehovha Mwari wenyu, imi naiye mambo anokutongai, muchafara henyu;