1 Samuel 12:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi kana musiŋgatereri inzwi raJehova, mukaramba murairo waJehova, ruʋoko rwaJehova rucarwa nemi, seɀarwakarwa namadziɓaɓa enyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana mukasateerera Jehovha, uye kana mukamukira mirayiro yake, ruoko rwake rucharwa nemi, sokurwa kwarwakaita namadzibaba enyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kana mukarega kuteerera Tenzi, moramba zvenyu kuchengeta mitemo yaiye Tenzi, iye Tenzi noruoko rwake achakurangai neshamhu yake sezvaakaita madzibaba enyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi kana musingateereri izwi raJehovha, mukaramba murayiro waJehovha, ruoko rwaJehovha rucharwa nemi, sezvarwakarwa namadzibaba enyu.
Shona 2009?
asi kana musingateereri inzwi raJehovha, mukaramba murayiro waJehovha, ruoko rwaJehovha rucharwa nemi, sezvarwakarwa namadzibaba enyu.
Shona SUB 2002 Bible
asi kana musingateereri izwi raJehovha, mukaramba murairo waJehovha, ruoko rwaJehovha rucharwa nemi, sezvarwakarwa namadzibaba enyu.