1 Samuel 12:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakuzi kucekwa kweɀiyo nhasi here? Ndicaɗana kunaJehova, kuti atume kutinhira nemvura, imi muziʋe muʋone kuti makatadza kwaɀo pamberi paJehova, ɀamakaɀikumbirira mambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haisi nguva yokukohwa gorosi here ino? Ndichadana kuna Jehovha kuti atume kutinhira nemvura. Uye muchaona kuti chinhu chakashata sei chamakaita pamberi paJehovha pamakakumbira kuti mupiwe mambo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Handiti iye zvino chirimo ichi nguva yokukohwa koroni? Ndichakumbira Tenzi kuti anayise mvura ine mabhanan'ana. Ndopamuchaziva mugoonawo kuti makaita chinhu chakaipa kwazvo pana Tenzi zvamakakumbira kuti munodawo mambo wenyu pachenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hakuzi kuchekwa kwezviyo nhasi here? Ndichadana kuna Jehovha, kuti atume kutinhira nemvura, imi muzive muwone kuti makatadza kwazvo pamberi paJehovha, zvamakazvikumbirira mambo.”
Shona 2009?
Hakuzi kuchekwa kwezviyo nhasi here? Ndichadana kuna Jehovha, kuti atume kutinhira nemvura, imwi muzive muwone kuti makatadza kwazvo pamberi paJehovha, zvamakazvikumbirira mambo."
Shona SUB 2002 Bible
Hakuzi kuchekwa kwezviyo nhasi here? Ndichadana kuna Jehovha, kuti atume kutinhira nemvura, imi muzive muwone kuti makatadza kwazvo pamberi paJehovha, zvamakazvikumbirira mambo.”