1 Samuel 12:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino tarirai, mambo wenyu unofamba pamberi penyu; ini ndakwegura, ndacena vudzi; tarirai, ʋanakomana ʋaŋgu ʋari pakati penyu; ini ndakafamba pamberi penyu kubva paʋuɗuku bgaŋgu kuȿikira nhasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino mava namambo somutungamiri wenyu. Kana ndiri ini, ndakwegura uye ndachena musoro, uye vanakomana vangu vanemi pano. Ndakava mutungamiri wenyu kubvira paudiki hwangu kusvikira zuva ranhasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino chinzwai, mambo ndiye ava kukutungamirirai. Ini ndakwegura, ndachena musoro, muri kungozvionerawo navana vangu vari mukati menyu. Kubvira ndichiri jaya kusvikira pari nhasi, ndanga ndichikutungamirirai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino tarirai, mambo wenyu unofamba pamberi penyu; ini ndakwegura, ndachena vhudzi; tarirai, vanakomana vangu vari pakati penyu; ini ndakafamba pamberi penyu kubva pauduku hwangu kusvikira nhasi.
Shona 2009?
Zvino tarirai, mambo wenyu unofamba pamberi penyu; ini ndakwegura, ndachena vhudzi; tarirai, vanakomana vangu vari pakati penyu; ini ndakafamba pamberi penyu kubva pauduku hwangu kusvikira nhasi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino tarirai, mambo wenyu unofamba pamberi penyu; ini ndakwegura, ndachena vhudzi; tarirai, vanakomana vangu vari pakati penyu; ini ndakafamba pamberi penyu kubva pauduku hwangu kusvikira nhasi.