1 Samuel 12:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Samueri akati kuʋanhu: Musatya henyu; makaita henyu ɀakaipa iɀi ɀose, asi regai kutsauka pakuteʋera Jehova, asi shumirai Jehova nemŋoyo yenyu yose;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Samueri akapindura achiti, “Musatya. Makaita zvose zvakaipa izvi; asi musatsauka kubva kuna Jehovha, asi shumirai Jehovha nomwoyo wenyu wose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Samueri akati kuvanhu, “Chiregai kunge muchatya. Kutadza kwose uku makatotadza kare. Asi chavapo ndechichi, chiregai kunge muchatsaukana naTenzi. Chinamatai Tenzi nomwoyo wenyu wose,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Samueri akati kuvanhu, “Musatya henyu; makaita henyu zvakaipa izvi zvose, asi regai kutsauka pakutevera Jehovha, asi shumirai Jehovha nemwoyo yenyu yose;
Shona 2009?
Samueri akati kuvanhu, "Musatya henyu; makaita henyu zvakaipa izvi zvose, asi regai kutsauka pakutevera Jehovha, asi shumirai Jehovha nemoyo yenyu yose;
Shona SUB 2002 Bible
Samueri akati kuvanhu, “Musatya henyu; makaita henyu zvakaipa izvi zvose, asi regai kutsauka pakutevera Jehovha, asi shumirai Jehovha nemwoyo yenyu yose;