1 Samuel 12:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ndirini, Mŋari ŋgaandiɓatsire ndirege kutadzira Jehova pakurega kukunyeŋgetererai imi, asi ndicakudzidzisai nzira yakanaka yakarurama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana ndiri ini, ngazvive kure neni kuti nditadzire Jehovha nokurega kukunyengetererai. Uye ndichakudzidzisai nzira yakanaka uye yakarurama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uyewo kana ndiri ini hazvimbofa zvakaitika kuti nditadzire Tenzi nechitadzo chokurega kukunamatirai, ndichikudzidzisai zvakanaka zvakarurama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana ndirini, Mwari ngaandibatsire ndirege kutadzira Jehovha pakurega kukunyengetererai imi, asi ndichakudzidzisai nzira yakanaka yakarurama.
Shona 2009?
Kana ndirini, Mwari ngaandibatsire ndirege kutadzira Jehovha pakurega kukunyengetererai imwi, asi ndichakudzidzisai nzira yakanaka yakarurama.
Shona SUB 2002 Bible
Kana ndirini, Mwari ngaandibatsire ndirege kutadzira Jehovha pakurega kukunyengetererai imi, asi ndichakudzidzisai nzira yakanaka yakarurama.