1 Samuel 12:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiri pano; cindipupurirai pamberi paJehova napamberi pomuzodzwa wake: Ndianiko wandakatorera nzombe yake? Ndianiko wandakatorera mboŋgoro yake? Ndianiko wandakanyeŋgera? Ndianiko wandakatambudza? Ndianiko wandakagamucira fufuro kwaari, kuti ndipofumadze meso aŋgu naɀo? Ndiziʋe, kuti ndikudzoserei iɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino ndiri pano. Chindipupurirai pamberi paJehovha nomuzodziwa wake. Ndeyani hando yandakatora? Ndeyani mbongoro yandakatora? Ndiani wandakanyengera? Ndianiko wandakambodzvinyirira? Ndakagamuchira fufuro kubva muruoko rwaani kuti ndipofumadze meso angu? Kana ndakaita chimwe chaizvozvi, ndichazvigadzirisa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini ndiri pano wandakatadzira ngaareve pachena pano pana Tenzi nomuzodzwa wake. Pane wandakatorera mombe yake here? Aripo here wandakatorera dhongi rake? Pane wandakabiridzira here? Ndiani akambobatwa zvakaipa neni? Aripo here ane pfumbamuromo yake yandakagamuchira kuzvipofomadza zvangu meso nayo? Kana aripo ngaandiudze pachena, ndinoda kuzviripa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndiri pano; chindipupurirai pamberi paJehovha napamberi pomuzodzwa wake, Ndianiko wandakatorera nzombe yake? Ndianiko wandakatorera mbongoro yake? Ndianiko wandakanyengera? Ndianiko wandakatambudza? Ndianiko wandakagamuchira fufuro kwaari, kuti ndipofumadze meso angu nazvo? Ndizive kuti ndikudzoserei izvozvo.”
Shona 2009?
Ndiri pano; chindipupurirai pamberi paJehovha napamberi pomuzodzwa wake, Ndianiko wandakatorera nzombe yake? Ndianiko wandakatorera mbongoro yake? Ndianiko wandakanyengera? Ndianiko wandakatambudza? Ndianiko wandakagamuchira fufuro kwaari, kuti ndipofumadze meso angu nazvo? Ndizive kuti ndikudzoserei izvozvo."
Shona SUB 2002 Bible
Ndiri pano; chindipupurirai pamberi paJehovha napamberi pomuzodzwa wake, Ndianiko wandakatorera nzombe yake? Ndianiko wandakatorera mbongoro yake? Ndianiko wandakanyengera? Ndianiko wandakatambudza? Ndianiko wandakagamuchira fufuro kwaari, kuti ndipofumadze meso angu nazvo? Ndizive kuti ndikudzoserei izvozvo.”