1 Samuel 13:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Samueri akati: Waiteiko? Sauro akati: Ndakaʋona kuti ʋanhu ʋopararira, ʋacindisiya, ʋuye kuti imi hamunakuȿika namazuʋa akaŋga atarwa, ʋuye kuti ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaʋuŋgana paMikmashi,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Samueri akati, “Waiteiko?” Sauro akapindura achiti, “Pandaona kuti hamuna kusvika nenguva yakataurwa, uye kuti vaFiristia vava kuungana paMikimashi,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Samueri akati, “Ko ndochii ichochi chawaita?” Sauro akati, “Pandakaona varwi vangu vava kuita rumwe rumwe kundisiya, imiwo usina kuuya mumazuva atakanga tatarirana kuuya uye hondo yavaFirisitia yaungana kuMikimashi,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Samueri akati, “Waiteiko?” Sauro akati, “Ndakaona kuti vanhu vopararira, vachindisiya, uye kuti imi hamuna kusvika namazuva akanga atarwa, uye kuti vaFirisitia vakanga vaungana paMikimashi,
Shona 2009?
Samueri akati, "Waiteiko?" Sauro akati, "Ndakaona kuti vanhu vopararira, vachindisiya, uye kuti imwi hamuna kusvika namazuva akanga atarwa, uye kuti vaFirisitia vakanga vaungana paMikimashi,
Shona SUB 2002 Bible
Samueri akati, “Waiteiko?” Sauro akati, “Ndakaona kuti vanhu vopararira, vachindisiya, uye kuti imi hamuna kusvika namazuva akanga atarwa, uye kuti vaFirisitia vakanga vaungana paMikimashi,