1 Samuel 13:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ɀino ʋushe bgako habguŋgagari; Jehova wakaɀitȿakira munhu unofadza mŋoyo wake, Jehova akamugadza aʋe mutuŋgamiriri waʋanhu ʋake, nokuti iwe hauna‐kuceŋgeta ɀawakaŋga warairwa naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi iye zvino umambo hwako hahuchagari; Jehovha azvitsvakira munhu anofadza mwoyo wake, akamugadza kuti ave mutungamiri wavanhu vake, nokuti hauna kuchengeta murayiro waJehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi zvino umambo hwako hauchaenderera mberi. Tenzi atotsvaka mumwe murume wepamwoyo pake. Saka Tenzi atomusarudza kuti ave mutungamiriri wavanhu vake nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanzi naTenzi uite.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi zvino ushe hwako hahungagari; Jehovha wakazvitsvakira munhu unofadza mwoyo wake, Jehovha akamugadza ave mutungamiriri wavanhu vake, nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanga warairwa naJehovha.”
Shona 2009?
"Asi zvino ushe hwako hahungagari; Jehovha wakazvitsvakira munhu unofadza moyo wake, Jehovha akamugadza ave mutungamiriri wavanhu vake, nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanga warairwa naJehovha."
Shona SUB 2002 Bible
“Asi zvino ushe hwako hahungagari; Jehovha wakazvitsvakira munhu unofadza mwoyo wake, Jehovha akamugadza ave mutungamiriri wavanhu vake, nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanga warairwa naJehovha.”