1 Samuel 13:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Sauro naJonatani mŋanakomana wake, naʋanhu ʋaʋakaŋga ʋanaʋo, ʋakagara paGeba kwaBenjamini; asi ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaʋaka misasa yaʋo paMikmashi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sauro nomwanakomana wake Jonatani navarume vaakanga anavo, vaigara muGibhea muBhenjamini, asi vaFiristia vakanga vakadzika misasa paMikimashi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro nomwanakomana wake, Jonatani, pamwechete navanhu vavaiva navo vakanga vari kuGibhea kwaBhenjamini, izvozvo vaFirisitia vakanga vakadzika matendhe avo kuMikimashi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sauro naJonatani mwanakomana wake, navanhu vavakanga vanavo, vakagara paGeba kwaBhenjamini; asi vaFirisitia vakanga vavaka misasa yavo paMikimashi.
Shona 2009?
Sauro naJonatani mwanakomana wake, navanhu vavakanga vanavo, vakagara paGebhiya kwaBhenjamini; asi vaFirisitia vakanga vavaka misasa yavo paMikimashi.
Shona SUB 2002 Bible
Sauro naJonatani mwanakomana wake, navanhu vavakanga vanavo, vakagara paGeba kwaBhenjamini; asi vaFirisitia vakanga vavaka misasa yavo paMikimashi.