1 Samuel 13:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Sauro akaɀitsaurira ʋarume ʋaIsraeri ʋaneɀuru ɀitatu; ɀuru ɀiʋiri ɀaʋo ɀaigara kunaSauro paMikmashi pagomo reBeti‐eri, necuru cimŋe caigara naJonatani paGibea kwaBenjamini; ʋamŋe ʋanhu ʋose akaʋadzosera, mumŋe nomumŋe kutente rake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sauro akasarudza varume vaIsraeri zviuru zvitatu; zviuru zviviri zvavo zvaiva naye paMikimashi nomunyika yamakomo yeBheteri, uye chiuru chimwe chete chaiva naJonatani paGibhea muBhenjamini. Vamwe vose akavadzosa kumisha yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro akasarudza zviuru zvitatu zvavarume muIsiraeri. Zviuru zviviri zvaivavo zvaiva naSauro kuMikimashi munyika yamakomo yeBhetieri. Vamwe vacho chiuru chimwechete vaingewo vaina Jonatani kuGibhea rokwaBhenjamini. Vamwe vose akavati vadzokere kwavo vaende zvavo kumisha yavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sauro akazvitsaurira varume vaIsiraeri vane zviuru zvitatu; zviuru zviviri zvavo zvaigara kuna Sauro paMikimashi pagomo reBetieri, nechiuru chimwe chaigara naJonatani paGibhea kwaBhenjamini; vamwe vanhu vose akavadzosera, mumwe nomumwe kutende rake.
Shona 2009?
Sauro akazvitsaurira varume vaIsiraeri vane zviuru zvitatu; zviuru zviviri zvavo zvaigara kuna Sauro paMikimashi pagomo reBetieri, nechiuru chimwe chaigara naJonatani paGibhiya kwaBhenjamini; vamwe vanhu vose akavadzosera, mumwe nomumwe kutende rake.
Shona SUB 2002 Bible
Sauro akazvitsaurira varume VaIsiraeri vane zviuru zvitatu; zviuru zviviri zvavo zvaigara kuna Sauro paMikimashi pagomo reBhetieri, nechiuru chimwe chaigara naJonatani paGibhia kwaBhenjamini; vamwe vanhu vose akavadzosera, mumwe nomumwe kutende rake.