1 Samuel 13:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ŋguʋa imŋe neimŋe kana mbezo dzaʋo, namapadza aʋo, neforogo dzaʋo, namasanhu aʋo ɀokomara; ʋuye kugadzirirwa ɀokuɓaya ŋombe naɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muripo wokurodzesa miromo yamagejo, namapiki, waiva zvikamu zviviri kubva muzvitatu zveshekeria, uye muripo wokurodzesa forogo namatemo, nezvibayiso zvemombe waiva chetatu cheshekerib.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuti muromo wegejo rake kana kuti badza rake rirodzwe aitobvisiswa mari yesirivha yamashekeri inorema magiramu masere. Kutiwo demo rirodzwe kana kuti mhayo yokutinhisa zvipfuwo iiswe muromo wesimbi aitobvisa mari yesirivha yamashekeri inorema magiramu mana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nguva imwe neimwe kana mbezo dzavo, namapadza avo, neforogo dzavo, namasanhu avo zvokomara; uye kugadzirirwa zvokubaya mombe nazvo.”
Shona 2009?
nguva imwe neimwe kana mbezo dzavo, namapadza avo, neforogo dzavo, namasanhu avo zvokomara; uye kugadzirirwa zvokubaya mombe nazvo."
Shona SUB 2002 Bible
nguva imwe neimwe kana mbezo dzavo, namapadza avo, neforogo dzavo, namasanhu avo zvokomara; uye kugadzirirwa zvokubaya mombe nazvo.”