1 Samuel 13:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo paŋguʋa yokurwa kwakaŋga kusinomunondo, kana pfumo muruʋoko rwomunhu mumŋe waʋanhu ʋakaŋga ʋanaSauro naJonatani; asi Sauro naJonatani mŋanakomana wake ʋakaŋga ʋanaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka pazuva rokurwa hapana murwi waSauro naJonatani aiva nomunondo kana pfumo muruoko rwake; Sauro chete nomwanakomana wake Jonatani ndivo vaiva nazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvowo musi wehondo iyi pavanhu vaiva naSauro naJonatani hakuna kana nomumwe wavo aiva nebakatwa kana pfumo zvaro muchanza. Asi Sauro nomwana wake, Jonatani ndivo chete vaiva nazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo panguva yokurwa kwakanga kusino munondo, kana pfumo muruoko rwomunhu mumwe wavanhu vakanga vanaSauro naJonatani; asi Sauro naJonatani mwanakomana wake vakanga vanazvo.
Shona 2009?
Naizvozvo panguva yokurwa kwakanga kusino munondo, kana pfumo muruoko rwomunhu mumwe wavanhu vakanga vanaSauro naJonatani; asi Sauro naJonatani mwanakomana wake vakanga vanazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo panguva yokurwa kwakanga kusino munondo, kana pfumo muruoko rwomunhu mumwe wavanhu vakanga vanaSauro naJonatani; asi Sauro naJonatani mwanakomana wake vakanga vanazvo.