1 Samuel 13:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jonatani akaparadza ɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia ʋaigara Geba; ʋaFiristia ʋakaɀinzwa. Ɀino Sauro akaridza hwamanda panyika yose, akati: ƲaHeberu ŋgaʋanzwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jonatani akarwisa boka ravarwi vavaFiristia vakanga vari paGebha, vaFiristia vakazvinzwa. Uye Sauro akaridza hwamanda munyika yose akati, “VaHebheru, inzwai!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jonatani akakurira chikwata chavarwi vavaFirisitia chaiva kuGibhea, vaFirisitia ndokuzvinzwa. Sauro ndokuridza hwamanda munyika iyi yose achitiwo, “VaHebheru vose ngavanzwe zviri kuno!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jonatani akaparadza boka ravarwi vavaFirisitia vaigara Gebha; vaFirisitia vakazvinzwa. Zvino Sauro akaridza hwamanda panyika yose, akati, “VaHebheru ngavanzwe.”
Shona 2009?
Jonatani akaparadza boka ravarwi vavaFirisitia vaigara Gebha; vaFirisitia vakazvinzwa. Zvino Sauro akaridza hwamanda panyika yose, akati, "VaHebheru ngavanzwe."
Shona SUB 2002 Bible
Jonatani akaparadza boka ravarwi vavaFirisitia vaigara Gebha; vaFirisitia vakazvinzwa. Zvino Sauro akaridza hwamanda panyika yose, akati, “VaHebheru ngavanzwe.”