1 Samuel 13:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaIsraeri ʋose ʋakanzwa kuti Sauro waparadza ɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia, ʋuye kuti ʋaIsraeri ʋoʋeŋgwa naʋaFiristia. Ʋanhu ʋose ʋakaʋuŋganidzwa kuti ʋaende Girgari naSauro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Israeri yose yakanzwa nhau idzi dzokuti, “Sauro arwisa boka ravaFiristia, Israeri yava chinhu chinonyangadza pamberi pavaFiristia.” Zvino vanhu vakadanwa kuti vandobatana pamwe chete naSauro paGirigari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vose ndokunzwa kuti Sauro akarwisa chikwata chavarwi vavaFirisitia uyewo kuti vaFirisitia vatova nedaka navaIsiraeri. Vanhu vakakokorodzwa kuna Sauro kuGirigari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
VaIsiraeri vose vakanzwa kuti Sauro waparadza boka ravarwi vavaFirisitia, uye kuti vaIsiraeri vovengwa navaFirisitia. Vanhu vose vakaunganidzwa kuti vaende Girigari naSauro.
Shona 2009?
Valsiraeri vose vakanzwa kuti Sauro waparadza boka ravarwi vavaFirisitia, uye kuti vaIsiraeri vovengwa navaFirisitia. Vanhu vose vakaunganidzwa kuti'vaende Girigari naSauro.
Shona SUB 2002 Bible
VaIsiraeri vose vakanzwa kuti Sauro waparadza boka ravarwi vavaFirisitia, uye kuti VaIsiraeri vovengwa navaFirisitia. Vanhu vose vakaunganidzwa kuti vaende Girigari naSauro.