1 Samuel 13:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaFiristia ʋakaʋuŋgana kuzorwa naʋaIsraeri, ʋaneŋgoro dzineɀuru ɀinamakumi matatu, naʋataȿi ʋaneɀuru ɀitanhatu, naʋanhu ʋakaŋga ʋakafanana nejeca reguŋgwa pakuwanda kwaʋo; ʋakakwira ʋakandodzika matente aʋo paMikmashi, kumabvazuʋa kweBeti‐aveni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaFiristia vakaungana kuti varwise Israeri, vane zviuru zvitatu zvengoro, nezviuru zvitatu zvavachairi vengoro, navarwi vakawanda sejecha remhenderekedzo dzegungwa. Vakaenda vakandodzika misasa paMikimashi, kumabvazuva kweBhetiavheni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaFirisitia vakaunganidzana kuti vachirwisa vaIsiraeri. Vaiva nezviuru makumi matatu engoro dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo zviuru zvitanhatu, varwi vavo vachinge jecha rokumahombekombe kwegungwa kuwanda. Vakakwira vakadzika matendhe avo kuMikimashi kumabvazuva kweBhetiavheni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaFirisitia vakaungana kuzorwa navaIsiraeri, vane ngoro dzine zviuru zvina makumi matatu, navatasvi vane zviuru zvitanhatu, navanhu vakanga vakafanana nejecha regungwa pakuwanda kwavo; vakakwira vakandodzika matende avo paMikimashi, kumabvazuva kweBhetiaveni.
Shona 2009?
Zvino vaFirisitia vakaungana kuzorwa navaIsiraeri, vane ngoro dzine zviuru zvina makumi matatu, navatasvi vane zviuru zvitanhatu, navanhu vakanga vakafanana nejecha regungwa pakuwanda kwavo; vakakwira vakandodzika matende avo paMikimashi, kumabvazuva kweBhetiaveni.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vaFirisitia vakaungana kuzorwa naVaIsiraeri, vane ngoro dzine zviuru zvina makumi matatu, navatasvi vane zviuru zvitanhatu, navanhu vakanga vakafanana nejecha regungwa pakuwanda kwavo; vakakwira vakandodzika matende avo paMikimashi, kumabvazuva kweBhetiavheni.