1 Samuel 13:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋaIsraeri ʋakati ʋaciʋona kuti ʋaʋa panjodzi (nokuti ʋanhu ʋakaŋga ʋomanikidzwa), ʋanhu ʋakaʋanda mumapako, nomumatenhere, napakati pamatombo, nomunhare, nomumakomba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume veIsraeri vakati vaona kuti zvinhu zvaipa uye kuti hondo yavo yakanga yamanikidzwa zvikuru, vakavanda mumapako nomumatenhere, pakati pamatombo, nomumakomba nomumigodhi yemvura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume vomuIsiraeri pavakaona kuti vava parumano, (izvozvo vakanga zvino vakokeranwa) vakahwanda mumapako nomudzininga nomumatombo nomumakomba nomudzinhare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume vaIsiraeri vakati vachiona kuti vava panjodzi (nokuti vanhu vakanga vomanikidzwa), vanhu vakavanda mumapako, nomumatenhere, napakati pamatombo, nomunhare, nomumakomba.
Shona 2009?
Zvino varume vaIsiraeri vakati vachiona kuti vava panjodzi (nokuti vanhu vakanga vomanikidzwa), vanhu vakavanda mumapako, nomumatenhere, napakati pamatombo, nomunhare, nomumakomba.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume VaIsiraeri vakati vachiona kuti vava panjodzi (nokuti vanhu vakanga vomanikidzwa), vanhu vakavanda mumapako, nomumatenhere, napakati pamatombo, nomunhare, nomumakomba.