1 Samuel 14:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino rimŋe zuʋa Jonatani mŋanakomana waSauro akati kujaya raiɓata nhumbi dzake dzokurwa nadzo: Hendei tiyambukire kuɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia ʋari mhiri uko. Asi haana‐kuʋudza ɓaɓa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rimwe zuva Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raitakura zvombo zvake zvokurwa, “Uya tiende kumusasa wavarwi vevaFiristia kudivi rimwe iro.” Asi haana kuudza baba vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe musi Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raitakura zvombo zvake zvehondo, “Uya tiende kune chikwata chavarwi vechiFirisitia.” Asi Jonatani haana kuudza baba vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino rimwe zuva Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Hendei tiyambukire kuboka ravarwi vavaFirisitia vari mhiri uko.” Asi haana kuudza baba vake.
Shona 2009?
zvino rimwe zuva Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, "Hendei tiyambukire kuboka ravarwi vavaFirisitia vari mhiri uko." Asi haana kuudza baba vake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino rimwe zuva Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Hendei tiyambukire kuboka ravarwi vavaFirisitia vari mhiri uko.” Asi haana kuudza baba vake.