1 Samuel 14:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋarume ʋeɓoka raʋarwi ʋakapindura Jonatani nomuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, ʋakati: Kwirai ʋuno kwatiri, tikuratidzei cinhu. Jonatani akati kumuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo: Kwira unditeʋere, nokuti Jehova waʋaisa mumaʋoko aʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume veboka ravarwi vakadanidzira kuna Jonatani nomubati wake nenhumbi dzokurwa vakati, “Kwirai kuno kwatiri tigokudzidzisai chidzidzo.” Saka Jonatani akati kumubati wake wenhumbi dzokurwa nadzo, “Kwira unditevere; Jehovha avaisa mumaoko avaIsraeri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varwi vaya vakadaidzira kuna Jonatani nouya aimutakurira zvombo zvake zvehondo vachiti, “Uyai kuno tikudzidzisei.” Jonatani ndokuti kune wokumutakurira zvombo zvake zvehondo, “Nditevere nokuti Tenzi atovaisa mumaoko eIsiraeri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Varume veboka ravarwi vakapindura Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakati, “Kwirai kuno kwatiri, tikuratidzei chinhu.” Jonatani akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Kwira unditevere, nokuti Jehovha wavaisa mumaoko avaIsiraeri.”
Shona 2009?
Varume veboka ravarwi vakapindura Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakati, "Kwirai kuno kwatiri, tikuratidzei chinhu." Jonatani akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, "Kwira unditevere, nokuti Jehovha wavaisa mumaoko avaIsiraeri."
Shona SUB 2002 Bible
Varume veboka ravarwi vakapindura Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakati, “Kwirai kuno kwatiri, tikuratidzei chinhu.” Jonatani akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Kwira unditevere, nokuti Jehovha wavaisa mumaoko aVaIsiraeri.”