1 Samuel 14:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jonatani akakwira namaʋoko ake namakumbo ake, muɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo acimuteʋera; iʋo ʋakakundwa naJonatani, nomuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akamuteʋera aciʋuraya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jonatani akakwira achikambaira namaoko namakumbo ake, uye mubati wenhumbi dzake dzokurwa ari mumashure make. VaFiristia vakati rakata rakata kuwa pamberi paJonatani, uye mubati wenhumbi dzake dzokurwa akatevera achiuraya mumashure make.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jonatani akakwira achiita zvokukambaira, mutakuri wezvombo zvake zvehondo akati sika-sika mushure kutevera. Jonatani akavarakatisa, mutakuri wezvombo zvake zvehondo achitevera achivapupura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jonatani akakwira namaoko ake namakumbo ake, mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo achimutevera; ivo vakakundwa naJonatani, nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akamutevera achiuraya.
Shona 2009?
Jonatani akakwira namaoko ake namakumbo ake, mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo achimutevera; ivo vakakundwa naJonatani, nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akamutevera achiuraya.
Shona SUB 2002 Bible
Jonatani akakwira namaoko ake namakumbo ake, mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo achimutevera; ivo vakakundwa naJonatani, nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akamutevera achiuraya.