1 Samuel 14:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋaIsraeri ʋakaziya nomusi uyo, asi Sauro wakapikira ʋanhu, akati: Aninani unodya ɀokudya kuȿikira maɗekwana, kuȿikira ndatsiʋira ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, ŋgaatukwe. Naiɀoɀo hakunomunhu wakaraʋira ɀokudya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino varume veIsraeri vakaziya pazuva iro, nokuti Sauro akanga asunga vanhu nemhiko achiti, “Ngaatukwe munhu anodya zvokudya kusati kwadoka, ndisati ndazvitsivira vavengi vangu!” Saka hakuna munhu pavarwi akaravira chokudya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vose varume vakasuruvara kwazvo musi iwoyo nokuti Sauro akanga apikira vanhu mhiko achiti, “Ngaawirwe norushambwa munhu anenge angowana chaanodya zuva risati radoka ini ndisati ndatsividza vavengi vangu.” Saka hakuna kana munhu akaisa chinhu mukanwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume vaIsiraeri vakaziya nomusi uyo, asi Sauro wakapikira vanhu, akati, “Ani nani unodya zvokudya kusvikira madekwana, kusvikira ndatsivira vavengi vangu, ngaatukwe.” Naizvozvo hakuna munhu wakaravira zvokudya.
Shona 2009?
Zvino varume vaIsiraeri vakaziya nomusi uyo, asi Sauro wakapikira vanhu, akati, "Ani nani unodya zvokudya kusvikira madekwana, kusvikira ndatsivira vavengi vangu, ngaatukwe." Naizvozvo hakuna munhu wakaravira zvokudya.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume VaIsiraeri vakaziya nomusi uyo, asi Sauro wakapikira vanhu, akati, “Ani nani unodya zvokudya kusvikira madekwana, kusvikira ndatsivira vavengi vangu, ngaatukwe.” Naizvozvo hakuna munhu wakaravira zvokudya.