1 Samuel 14:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jonatani wakaŋga asinakunzwa ɓaɓa ʋake ʋaciraira ʋanhu nokupika kwaʋo; naiɀoɀo akatambanudza muromo wetȿimbo yake, yakaŋga iri muruʋoko rwake, akainyika muziŋga roʋuci, akaisa ruʋoko rwake kumuromo wake, meso ake akaȿinudzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jonatani akanga asina kunzwa kuti baba vake vakanga vasunga vanhu nemhiko, saka akatambanudza muromo wetsvimbo yakanga iri muruoko rwake akainyika muzinga rouchi. Akasimudzira ruoko rwake kumuromo wake, meso ake akabengenuka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Jonatani haana kunge anzwa kuti baba vake vakanga vatsidzira vanhu nemhiko. Akasveerera nomudonzvo waaiva nawo mumaoko, ndokunyika kwokupedzesera kwawo muzinga rouchi, ndokuhunomborera mukanwa akabva abengenuka meso.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jonatani wakanga asina kunzwa baba vake vachiraira vanhu nokupika kwavo; naizvozvo akatambanudza muromo wetsvimbo yake, yakanga iri muruoko rwake, akainyika muzinga rouchi, akaisa ruoko rwake kumuromo wake, meso ake akasvinudzwa.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible