1 Samuel 14:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mumŋe waʋanhu akapindura, akati: Ƃaɓa ʋako ʋakaraira ʋanhu kwaɀo nokupika ʋaciti: Aninani unodya ɀokudya nhasi ŋgaatukwe. Asi ʋanhu ʋakaŋga ʋaziya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mumwe wavarwi akati kwaari, “Baba vako vasunga varwi nemhiko vachiti, ‘Ngaatukwe munhu upi zvake anodya zvokudya nhasi!’ Ndokusaka vanhu voziya.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mumwe wavo akamuti, “Baba venyu vanyatsosimbisisa kwazvo kutsidzira vanhu nemhiko vachiti, ‘Ngaawirwe norushambwa munhu anenge angowana chaanodya nhasi uno.’ ” Vanhu vakaziya nenzara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mumwe wavanhu akapindura, akati, “Baba vako vakaraira vanhu kwazvo nokupika vachiti, ‘Ani nani unodya zvokudya nhasi ngaatukwe.’ ” Asi vanhu vakanga vaziya.
Shona 2009?
Ipapo mumwe wavanhu akapindura, akati, "Baba vako vakaraira vanhu kwazvo nokupika vachiti, `Ani nani unodya zvokudya nhasi ngaatukwe.' " Asi vanhu vakanga vaziya.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mumwe wavanhu akapindura akati, “Baba vako vakaraira vanhu kwazvo nokupika vachiti, ‘Ani nani unodya zvokudya nhasi ngaatukwe.’ ” Asi vanhu vakanga vaziya.