1 Samuel 14:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋakamhanyira ɀakapambga, ʋakatora makwai, neŋombe, nemhuru, ʋakaɀiʋurayira pasi, ʋanhu ʋakaɀidya pamŋe cete neropa raɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakamhanyira zvakapambwa, uye vakatora makwai, mombe nemhuru, vakazviuraya pasi ipapo uye vakazvidya, pamwe chete neropa razvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakawirirana kutora zvakanga zvapambwa. Vakatora hwai nemombe nemhuru vachidziurayira pose pose pasi, vakadya nyama isina kusinzwa ropa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vakamhanyira zvakapambwa, vakatora makwai nemombe, nemhuru, vakazviurayira pasi, vanhu vakazvidya pamwechete neropa razvo.
Shona 2009?
Vanhu vakamhanyira zvakapambwa, vakatora makwai nemombe, nemhuru, vakazviurayira pasi, vanhu vakazvidya pamwechete neropa razvo.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vakamhanyira zvakapambwa, vakatora makwai nemombe, nemhuru, vakazviurayira pasi, vanhu vakazvidya pamwechete neropa razvo.