1 Samuel 14:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Sauro akati: Pararirai pakati paʋanhu, muti kwaʋari: Mumŋe nomumŋe ŋgaaʋuye kwandiri nenzombe yake, mumŋe nomumŋe negwai rake, aɀiʋurayire pano, adye, murege kutadzira Jehova mucidya pamŋe cete neropa. Ɀino ʋanhu ʋose ʋakaʋuya ʋusiku ubgo mumŋe nomumŋe nenzombe yake, ʋakadziʋurayira’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akati, “Endai pakati pavanhu mugovataurira kuti, ‘Mumwe nomumwe wenyu ngaauye nemombe yake, namakwai uye muzviurayire pano muzvidye. Musatadzira Jehovha muchidya nyama ichine ropa rayo.’ ” Saka munhu wose akauya nenzombe yake usiku ihwohwo akaiuraya ipapo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro akabvawo ati, “Chipararirai nomuvanhu muvati, ‘Munhu wose ngaauye nemombe yake kana kuti hwai yake kuno kwandiri mudzibayire pano, mozodya zvenyu murege kutadzira Tenzi nokudya nyama isina kusinzwa ropa.’ ” Usiku ihwohwo munhu wose akaendako nemombe yake vakadziurayira ikoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Sauro akati, “Pararirai pakati pavanhu, muti kwavari, ‘Mumwe nomumwe ngaauye kwandiri nenzombe yake, mumwe nomumwe negwai rake, azviurayire pano, adye murege kutadzira Jehovha muchidya pamwechete neropa.’ ” Zvino vanhu vose vakauya usiku uhwo mumwe nomumwe nenzombe yake, vakadziurayirapo.
Shona 2009?
Zvino Sauro akati, "Pararirai pakati pavanhu, muti kwavari, `Mumwe nomumwe ngaauye kwandiri nenzombe yake, mumwe nomumwe negwai rake, azviurayire pano, adye murege kutadzira Jehovha muchidya pamwechete neropa. ' " Zvino vanhu vose vakauya usiku uhwo mumwe nomumwe nenzombe yake, vakadziurayirapo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Sauro akati, “Pararirai pakati pavanhu, muti kwavari, ‘Mumwe nomumwe ngaauye kwandiri nenzombe yake, mumwe nomumwe negwai rake, azviurayire pano, adye murege kutadzira Jehovha muchidya pamwechete neropa.’ ” Zvino vanhu vose vakauya usiku uhwo mumwe nomumwe nenzombe yake, vakadziurayirapo.