1 Samuel 14:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Sauro akati: Ŋgatiɓuruke, titeʋere ʋaFiristia ʋusiku, tiʋapambare kuȿikira kwoedza, tirege kusiya munhu mumŋe kwaʋari. Iʋo ʋakati: Itai henyu seɀamunoɗa. Ipapo muprista akati: Ŋgatisweɗere kunaMŋari pano.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sauro akati, “Ngatiburukei zasi titevere vaFiristia usiku tindovapamba kusvikira mambakwedza, uye tirege kusiya kana mumwe wavo ari mupenyu.” Ivo vakapindura vakati, “Itai zvamunoona kuti zvakanakisisa kwamuri.” Asi muprista akati, “Ngatibvunzei Mwari pano.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro akazoti, “Ngatirondei vaFirisitia nousiku huno, tivapambe, tirege kusiya kana nomumwe wavo ari mupenyu.” Ivo vakati, “Itai zvenyu zvamunenge mada.” Asi mupristi akati, “Ngatimbonzwai kuna Mwari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Sauro akati, “Ngatiburuke, titevere vaFirisitia usiku, tivapambare kusvikira kwoedza, tirege kusiya munhu mumwe kwavari.” Ivo vakati, “Itai henyu sezvamunoda.” Ipapo mupristi akati “Ngatiswedere kuna Mwari pano.”
Shona 2009?
Zvino Sauro akati, "Ngatiburuke, titevere vaFirisitia usiku, tivapambare kusvikira koedza, tirege kusiya munhu mumwe kwavari." Ivo vakati, "Itai henyu sezvamunoda." Ipapo muprista akati "Ngatiswedere kuna Mwari pano."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Sauro akati, “Ngatiburuke, titevere vaFirisitia usiku, tivapambare kusvikira kwoedza, tirege kusiya munhu mumwe kwavari.” Ivo vakati, “Itai henyu sezvamunoda.” Ipapo mupristi akati “Ngatiswedere kuna Mwari pano.”