1 Samuel 14:40 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akati kuʋaIsraeri ʋose: Imi mirai kurutiʋi rumŋe, neni naJonatani mŋanakomana waŋgu ticamira kunorumŋe rutiʋi. Ʋanhu ʋakati kunaSauro: Itai henyu seɀamunoɗa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Sauro akati kuvaIsraeri vose, “Imi mirai uko; ini naJonatani mwanakomana wangu tichamira kuno uku.” Vanhu vakapindura vakati, “Itai zvamunoona kuti zvakanakisisa kwamuri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro akati kuvaIsiraeri vose, “Imi mirai uku, ini nomwana wangu Jonatani timirewo uku.” Vanhu vakati kuna Sauro, “Itai zvamunenge muchida.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati kuvaIsiraeri vose, “Imi mirai kurutivi rumwe, neni naJonatani mwanakomana wangu tichamira kuno rumwe rutivi.” Vanhu vakati kuna Sauro, “Itai henyu sezvamunoda.”
Shona 2009?
Zvino akati kuvaIsiraeri vose, "imwi mirai kurutivi rumwe, neni naJonatani mwanakomana wangu tichamira kuno rumwe rutivi." Vanhu vakati kuna Sauro, "Itai henyu sezvamunoda."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati kuVaIsiraeri vose, “Imi mirai kurutivi rumwe, neni naJonatani mwanakomana wangu tichamira kuno rumwe rutivi.” Vanhu vakati kuna Sauro, “Itai henyu sezvamunoda.”