1 Samuel 14:45 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanhu ʋakati kunaSauro: Jonatani uŋgafa seiko, iye wakaponesa ʋaIsraeri nokuponesa kukuru uku? Haiȿa! NaJehova mupenyu, ruvudzi rumŋe rwomusoro wake haruŋgawiri pasi, nokuti wakaɓata pamŋe cete naMŋari nhasi. Naiɀoɀo ʋanhu ʋakadzikinura Jonatani, akasafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vanhu vakati kuna Sauro, “Jonatani angafanira kufa, iye akaponesa vaIsraeri nokuponesa kukuru kuya? Kwete! Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, hakuna kana bvudzi romusoro wake richawira pasi, nokuti aita izvi nhasi achibatsirwa naMwari.” Saka vanhu vakanunura Jonatani, uye haana kuurayiwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vanhu vakarambira Sauro vachiti, “Munoti Jonatani afe? Anunura Isiraeri zvakakura zvikadai! Hazvimboitika! Tinopika naTenzi mupenyu, haambofanira kana kubatwa-batwa zvake kunyange ruvhudzi rwake nokuti ashanda naMwari nhasi.” Naizvozvo vanhu vakanunura Jonatani akarega kufa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanhu vakati kuna Sauro, “Jonatani ungafa seiko, iye wakaponesa vaIsiraeri nokuponesa kukuru uku? Haisva! NaJehovha mupenyu, ruvhudzi rumwe rwomusoro wake harungawiri pasi, nokutiwakabata pamwechete naMwari nhasi.” Naizvozvo vanhu vakadzikinura Jonatani, akasafa.
Shona 2009?
Zvino vanhu vakati kuna Sauro, "Jonatani ungafa seiko, iye wakaponesa vaIsiraeri nokuponesa kukuru uku? Haisva! NaJehovha mupenyu, ruvhudzi rumwe rwomusoro wake harungawiri pasi, nokuti wakabata pamwechete naMwari nhasi." Naizvozvo vanhu vakadzikunura Jonatani, akasafa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanhu vakati kuna Sauro, “Jonatani ungafa seiko, iye wakaponesa VaIsiraeri nokuponesa kukuru uku? Haisva! NaJehovha mupenyu, ruvhudzi rumwe rwomusoro wake harungawiri pasi, nokuti wakabata pamwechete naMwari nhasi.” Naizvozvo vanhu vakadzikinura Jonatani, akasafa.