1 Samuel 14:50 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Zita romukadzi waSauro raiʋa Ahinoami, mŋanasikana waAhimaazi, nezita romutuŋgamiriri wehondo yake raiʋa Abineri, mŋanakomana waNeri, ɓaɓamunini ʋaSauro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zita romukadzi wake rainzi Ahinoami, mwanasikana waAhimaazi. Zita romutungamiri wehondo yaSauro rainzi Abhineri, mwanakomana waNeri, uye Neri akanga ari babamunini vaSauro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudzimai waSauro ainzi Ahinoamu mwana waAhimaazi. Mutungamiriri wehondo yake ainzi Abhuna mwanakomana waNeri, babamudiki waSauro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zita romukadzi waSauro raiva Ahinoamu, mwanasikana waAhimaazi, nezita romutungamiriri wehondo yake raiva Abhineri, mwanakomana waNeri, babamunini vaSauro.
Shona 2009?
Zita romukadzi waSauro raiva Ahinowamu, mwanasikana waAhimaazi, nezita romutungamiriri wehondo yake raiva Abhineri, mwanakomana waNeri, babamunini vaSauro.
Shona SUB 2002 Bible
Zita romukadzi waSauro raiva Ahinoamu, mwanasikana waAhimaazi, nezita romutungamiriri wehondo yake raiva Abhineri, mwanakomana waNeri, babamunini vaSauro.