1 Samuel 14:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jonatani akati kujaya raiɓata nhumbi dzake dzokurwa nadzo: Hendei tiyambukire kuɓoka raʋarwi raʋasino‐kudziŋgiswa aʋa; ɀimŋe Jehova ucatiɓatsira, nokuti hakunecinhu ciŋgadziʋisa Jehova kuponesa, kunyaŋge naʋazhinji kana naʋashoma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jonatani akati kujaya raitakura zvombo zvake zvokurwa, “Uya tiyambuke tiende kumusasa wavasina kudzingiswa avo. Zvichida Jehovha achatirwira. Hapana chinodzivisa Jehovha kuti aponese, navakawanda kana navashoma.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jonatani akati kujaya riya raitakura zvombo zvake zvehondo, “Uya tiende kune chikwata chavarwi ava vasina kudzingiswa. Dzimwe nguva Tenzi angawane chaangatiitire nokuti hapana chingarambidze Tenzi kuponesa vanhu achishandisa vanhu vazhinji kana vashoma.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jonatani akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Hendei tiyambukire kuboka ravarwi ravasina kudzingiswa ava; zvimwe Jehovha uchatibatsira, nokuti hakuna chinhu chingadzivisa Jehovha kuponesa, kunyange navazhinji kana navashoma.”
Shona 2009?
Zvino Jonatani akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, "Hendei tiyambukire kuboka ravarwi ravasina kudzingiswa ava; zvimwe Jehovha uchatibatsira, nokuti hakuna chinhu chingadzivisa Jehovha kuponesa, kunyange navazhinji kana navashoma."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jonatani akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Hendei tiyambukire kuboka ravarwi ravasina kudzingiswa ava; zvimwe Jehovha uchatibatsira, nokuti hakuna chinhu chingadzivisa Jehovha kuponesa, kunyangwe navazhinji kana navashoma.”