1 Samuel 14:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo muɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akati kwaari: Itai ɀose ɀamunofuŋga; endai henyu, ini ndine’mi pamunoɗa kuita napo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutakuri wezvombo akati, “Itai zvose zvamafunga. Endai mberi; ndinemi pamweya napamwoyo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uya aitakura zvombo zvake akati, “Itai zvenyu chamunenge mafunga mumwoyo menyu. Kana ndirini ndinemi, zvamunenge mangosarudza nemwoyo wenyu ndozvandinoda.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akati kwaari, “Itai zvose zvamunofunga; endai henyu, ini ndinemi pamunoda kuita napo.”
Shona 2009?
Ipapo mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akati kwaari, "Itai zvose zvamunofunga; endai henyu, ini ndinemwi pamunoda kuita napo."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akati kwaari, “Itai zvose zvamunofunga; endai henyu, ini ndinemi pamunoda kuita napo.”